PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | 1 VAKORINDE 14-16
Mwari Achava “Zvinhu Zvese Kuvanhu Vese”
Vanhu vanoramba vakavimbika kuna Jehovha vachawana makomborero akawanda. Patinoudza vamwe nezvemakomborero aya tichifara, zvinoita kuti tigare tichifunga nezvawo. Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti vafungidzire zvichaitika pachazopera Kutonga kwaKristu Kwemakore 1 000, Jehovha paachava “zvinhu zvese kuvanhu vese.”
Makomborero api aunonyanya kutarisira, uye nemhaka yei?
Chii chinoita kuti unyatsova nechokwadi chekuti Mwari achazadzisa zvaakavimbisa?