PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 9-11
Murume Aitambudza vaKristu Anova Muparidzi Anoshingaira
Sauro akakurumidza kushandisa zvaakadzidza. Nei akadaro asi vamwe vakazvitadza? Nekuti aitya Mwari kupfuura vanhu uye aionga zvikuru mutsa waakaitirwa naKristu. Kana uri kudzidza Bhaibheri asi usati wabhabhatidzwa, uchatevedzera Sauro here wokurumidza kushandisa zvauri kudzidza?