PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MABASA 4-5
Vakaramba Vachitaura Shoko raMwari Neushingi
Chii chakaita kuti vaapostora vagone kuva vadzidzisi? Chii chakavabatsira kuti vataure nechivimbo uye neushingi? “Vaimbova naJesu,” Mudzidzisi Mukuru, uye vakadzidza kubva kwaari. (Mab 4:13) Zvii zvatingadzidza kubva kuna Jesu zvinotibatsira kuti tive vadzidzisi vakanaka?