KURARAMA KWECHIKRISTU
Nyatsotevera Tsoka dzaKristu
Jesu akatisiyira muenzaniso wekuti titevedzere, kunyanya patinosangana nemiedzo kana kuti patinotambudzwa. (1Pe 2:21-23) Jesu haana kumbodzorera paaitukwa, kunyange paaitambudzwa. (Mk 15:29-32) Chii chakamubatsira kuti atsungirire? Akanga akatsunga kuita zvaidiwa naJehovha. (Joh 6:38) Pfungwa dzake dzaivawo ‘pamufaro wakaiswa pamberi pake.’—VaH 12:2.
Tinoita sei kana tikaitirwa zvinhu zvakaipa nemhaka yekutenda kwedu? VaKristu vechokwadi ‘havadzoreri chakaipa nechakaipa.’ (VaR 12:14, 17) Kana tikatevedzera zvaiitwa naKristu paaitambudzwa, tichafara nekuti tinenge tichiita zvinofadza Jehovha.—Mt 5:10-12; 1Pe 4:12-14.
ONA VHIDHIYO INONZI ZITA RAJEHOVHA RINONYANYA KUKOSHA, WOZOPINDURA MIBVUNZO IYI:
Hanzvadzi Pötzingera vakashandisa sei nguva yavo pavaiva vakasungwa?
Hama nahanzvadzi Pötzinger vakatsungirira zvinhu zvipi pavaiva mumisasa yevasungwa?
Chii chakavabatsira kuti vatsungirire?
Paunenge uchitambudzwa, nyatsotevera tsoka dzaKristu
a Zita racho rinogona kunyorwawo richinzi Poetzinger.