RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • mwb17 September p. 7
  • Vadzidzise Kuti Varambe Vachishumira Jehovha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vadzidzise Kuti Varambe Vachishumira Jehovha
  • Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
  • Mashoko Akafanana
  • Chikamu 10—Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Kudzidzisa Kwaungaita Vatsva Kuparidzira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kudzidzisa Vatsva
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Kudzidzisa Vanhu Bhaibheri Zvinofambira Mberi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2017)
mwb17 September p. 7

KURARAMA KWECHIKRISTU

Vadzidzise Kuti Varambe Vachishumira Jehovha

Kana vaparidzi vatsva vakadzidziswa kugara vachishingaira muushumiri kubvira pekutanga, kakawanda kacho vanoramba vakadaro. (Zvi 22:6; VaF 3:16) Nyaya ino ine mazano aunogona kushandisa kubatsira waunodzidza naye kuti arambe achishingaira muushumiri:

  • Paanongobvumirwa kuti ave muparidzi, ibva watotanga kumudzidzisa kuparidza. (km 8/15 1) Ita kuti aone kuti zvakakosha kuti vhiki rimwe nerimwe agare achienda muushumiri. (VaF 1:10) Taura zvinhu zvinokurudzira nezvendima yenyu. (VaF 4:8) Mukurudzire kuti aendewo nemutariri weboka uye nevamwe vaparidzi kuti adzidzewo zvimwe zvinhu kubva kwavari.​—Zvi 1:5; km 10/12 6 ¶3

    Hama ichibatsira muparidzi mutsva kugadzirira ushumiri
  • Kunyange kana waunodzidza naye akabhabhatidzwa, ramba uchimukurudzira uye uchimudzidzisa maitirwo ebasa rekuparidza, kunyanya kana asati apedza kudzidza bhuku ra“Rudo rwaMwari.”​—km 12/13 7

    Hanzvadzi ichishanda nemuparidzi mutsva muushumiri
  • Kana uine muparidzi mutsva muushumiri, shandisa mharidzo dziri nyore. Kana apedza kupa mharidzo yake, mutende. Muudze zvimwe zvaanogona kuita zvinomubatsira kuti ave mudzidzisi akanaka.​—km 5/10 7

    Baba vachishanda nemwana wavo muushumiri
    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe