PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 74-78
Yeuka Mabasa aJehovha
Kufungisisa zvinhu zvakanaka zvakaitwa naJehovha kunokosha
Kufungisisa kunoita kuti zvataverenga muShoko raMwari zvinyatsonyura mupfungwa dzedu uye titende nemwoyo wose zvokudya zvekunamata
Kufungisisa nezvaJehovha kunoita kuti tiyeuke mabasa ake anoshamisa uye tariro yeramangwana yaakatipa
Mamwe emabasa aJehovha ndeaya:
Zvinhu zvaakasika
Kana tikaramba tichidzidza pamusoro pezvinhu zvakasikwa, tichawedzerawo kuona ukuru hwaJehovha
Varume vakagadzwa muungano
Tinofanira kuteerera vanhu vakagadzwa naJehovha kuti vatitungamirire
Mabasa ekuponesa
Kuyeuka kuponesa kwakaita Jehovha vanhu vake kunosimbisa kutenda kwedu maari kuti anoda uye ane simba rokuchengeta vanhu vake