July 25-31
MAPISAREMA 79-86
Rwiyo 138 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?”: (10 min.)
Pis 83:1-5—Zvinhu zvatinofanira kunyanya kukoshesa izita raJehovha uye uchangamire hwake (w08 10/15 13 ¶7-8)
Pis 83:16—Kutsungirira kwedu kunoita kuti Jehovha akudzwe (w08 10/15 15 ¶16)
Pis 83:17, 18—Jehovha ndiye anokosha kupfuura chero ani zvake (w11 5/15 16 ¶1-2; w08 10/15 15-16 ¶17-18)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Pis 79:9—Vhesi iyi inotidzidzisei nezveminyengetero yedu? (w06 7/15 12 ¶5)
Pis 86:5—Zvinorevei kuti Jehovha “akagadzirira kukanganwira”? (w06 7/15 12 ¶9)
Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa muushumiri?
Kuverenga Bhaibheri: (4 min. zvichidzika) Pis 85:8–86:17
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) fg chidzidzo 7 ¶1
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) fg chidzidzo 7 ¶3
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) fg chidzidzo 7 ¶7-8
KURARAMA KWECHIKRISTU
Rwiyo 111
Mwari Ane Zita Here?: (15 min.) Tangai nokuratidza vateereri vhidhiyo iyi yepajw.org Mwari Ane Zita Here? (Tarisai pakanzi MABHUKU NEZVIMWEWO > MABHUKU UYE MABHUROCHA. Chitarisai bhuku raMashoko Akanaka. Vhidhiyo yacho inowanikwa pachidzidzo chakanzi “Mwari Ndiani?”) Kana yapera, bvunzai mibvunzo inotevera: Tingashandisa sei vhidhiyo iyi patinenge tichiparidza zvisina kurongwa, pachena kana kuti paimba neimba? Zvii zvakaitika zvinofadza zvamakaona pamaishandisa vhidhiyo iyi?
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: (30 min.) ia chits. 20 ¶14-26, kudzokorora chitsauko chacho
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Rinotevera (3 min.)
Rwiyo 143 Nemunyengetero
Chiyeuchidzo: Tapota ridzai rwiyo urwu rwutsva rwose kamwe chete, mozoita kuti ungano iimbe pamunorwuridza kechipiri.