PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI | MAPISAREMA 1-10
Kuti Tifarirwe naJehovha Tinofanira Kukudza Mwanakomana Wake, Jesu
Uprofita hwakagara hwataura kuti Jehovha naJesu vaizovengwa
Uprofita hwakataura kuti marudzi aizoramba kutungamirirwa naJesu uye aizoda kuzvimiririra
Uprofita uhwu hwakazadziswa Jesu paaiva panyika uye mazuva ano huri kuzadziswa zvakatonyanya
Munyori wepisarema iri akati marudzi anoramba achigunun’unira chinhu chisina zvachinobatsira, kureva kuti zvavanovavarira kuita kudzingana nemhepo, uye hazvina kwazvinosvika
Vanhu vanokudza Mambo akagadzwa naJehovha ndivo chete vachawana upenyu
Vose vanopikisa Mambo Mesiya vachaparadzwa
Vanhu vanokudza Jesu, Mwanakomana waMwari, vachadzivirirwa uye vachava nerugare