January 18-24
EZRA 1-5
Rwiyo 85 Nemunyengetero
Mashoko Ekusuma (3 min. zvichidzika)
PFUMA IRI MUSHOKO RAMWARI
“Jehovha Anozadzisa Zvaanovimbisa”: (10 min.) [Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Kusuma Bhuku raEzra.]
Ezr 3:1-6—Uprofita hwaJehovha hahumbotadzi kuzadzika (w06 1/15 19 ¶2)
Ezr 5:1-7—Jehovha anogona kuronga zvinhu achiitira kuti vashumiri vake vabudirire (w06 1/15 19 ¶4; w86-E 1/15 9 ¶2; w86-E 2/1 29 bhokisi)
Kuchera Pfuma muShoko raMwari: (8 min.)
Ezr 1:3-6—Sei tisingatauri kuti vaIsraeri vasina kuzvipira kudzokera kumusha kwavo vakanga vasina kutenda kwakasimba? (w06 1/15 17 ¶5; 19 ¶1)
Ezr 4:1-3—Nei vaIsraeri vakaramba kubatsirwa? (w06 1/15 19 ¶3)
Ndinodzidzei nezvaJehovha kubva pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino?
Ipfungwa dzipi dziri pakuverenga Bhaibheri kwevhiki rino dzandinogona kushandisa mubasa remumunda?
Kuverenga Bhaibheri: Ezr 3:10–4:7 (4 min. zvichidzika)
SHANDA NESIMBA MUUSHUMIRI
Paunoona Munhu Kekutanga: (2 min. zvichidzika) Ipa munhu Nharireyomurindi yaJanuary uchishandisa nyaya iri papeji 16. Siya pekutangira kuitira paunozodzokera.
Paunodzokera: (4 min. zvichidzika) Dzokera kunoona munhu akafarira Nharireyomurindi yaJanuary, yawakamupa uchishandisa nyaya iri papeji 16. Siya pekuzotangira.
Chidzidzo cheBhaibheri: (6 min. zvichidzika) Itisa chidzidzo cheBhaibheri. (bh 20-21 ¶6-8)
KURARAMA KWECHIKRISTU
Rwiyo 40
“Izvi Zvimwe Zvinhu Zvose Zvichawedzerwa Kwamuri”: (5 min.) Hurukuro inobva pana Mateu 6:33 naRuka 12:22-24. Kumbirai vaparidzi kuti vataure zvakaitika zvinoratidza kuti Jehovha akazadzisa vimbiso yake yekuvapa zvekurarama nazvo pavakatanga kutsvaka Umambo.
Unoti ‘Hungu Asi Panguva Imwe Chete Uchiti Aiwa’ Here?: (10 min.) Kukurukurirana. (w14 3/15 30-32)
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano: ia chits. 7 ¶1-14 (30 min.)
Kudzokorora Zvadzidzwa Uye Kutaura Zvichadzidzwa Vhiki Inotevera (3 min.)
Rwiyo 41 Nemunyengetero