RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/15 p. 2
  • ‘Famba Nokutenda, Kwete Nokuona’

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • ‘Famba Nokutenda, Kwete Nokuona’
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Mashoko Akafanana
  • “Tiwedzereiwo Kutenda”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Famba Nokutenda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Famba Nokutenda, Kwete Nokuona!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ratidza Kutenda Kwako Mune Zvakavimbiswa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 12/15 p. 2

‘Famba Nokutenda, Kwete Nokuona’

Nguva pfupi Jerusarema risati rakombwa ndokuzoparadzwa, muapostora Pauro akanyora kuti vaKristu sevarwi vakanaka kwazvo vaJesu, vanofanira kutarisira kutambura uye kuti havafaniri kungofunga zvakavanakira ivo. (2 Tim. 2:3, 4) Sezvo nyika ino yakaipa yava kuguma, tinofanira kuva nekutenda kwakasimba kuti tirambe takaisa pfungwa dzedu pakunamata. (2 VaK. 4:18; 5:7) Ona vhidhiyo ya‘Famba Nokutenda, Kwete Nokuona.’ (Enda pajw.org wobaya pakanzi MABHUKU > MAVHIDHIYO.) Cherechedza kuti kunyanya kuda zvinhu zvenyama kwakaisa sei upenyu hwaNahamu naAbhitari pangozi. Kana wapedza, ongorora mibvunzo inotevera.

(1) “Chinhu chinonyangadza” chakanga “chimire panzvimbo tsvene” chii, uye vaKristu vaigara muJerusarema vaifanira kuitei? (Mat. 24:15, 16) (2) Nei vaifanira kuva nekutenda kuti vatize muguta iri? (3) Pavaizobuda muguta iri, ndezvipi zvavaifanira kusiya? (4) Nei Nahamu naAbhitari vakaita zvekuverengera? (Mat. 24:17, 18) (5) Ndeupi mumwe muedzo wekutenda wakasangana naRakeri pavaibuda muJerusarema? (Mat. 10:34-37; Mako 10:29, 30) (6) Etani akaratidza sei kuti aivimba naJehovha uye kuti aiva nekutenda? (7) VaKristu vakasangana nematambudziko api kuPera? (8) Kutenda kwaNahamu naAbhitari kwakatanga sei kuparara zvishoma nezvishoma? (9) Jehovha akachengeta sei vaKristu vaigara muPera? (Mat. 6:33; 1 Tim. 6:6-8) (10) Tingatevedzera sei zvakaitwa naAbrahamu naSara sezvo tatarisana nemugumo wenyika ino? (VaH. 11:8-10) (11) Nahamu naAbhitari vakazvinyengera sei kuti vadzokere kuJerusarema, uye nei zvavaifunga zvakanga zvisina musoro? (Ruka 21:21) (12) Nahamu naAbhitari pavakadzokera kuJerusarema, kwainge kwakamira sei? (13) Nei tichifanira kusimbisa kutenda kwedu iye zvino mugumo wenyika ino usati wasvika?—Ruka 17:31, 32; 21:34-36.

Kufamba nekutenda kunoreva (1) kuvimba nekutungamirira kwaJehovha, (2) kuteerera toita zvaanotiudza uye (3) kuratidza kuti tinokoshesa zvekunamata kupfuura zvinhu zvenyama. Ngatirambei tichifamba nekutenda, tiine chokwadi chekuti “nyika iri kupfuura pamwe chete nokuchiva kwayo, asi uyo anoita kuda kwaMwari anoramba aripo nokusingaperi.”—1 Joh. 2:17.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe