Purogiramu Yevhiki yaNovember 16
VHIKI INOTANGA NANOVEMBER 16
Rwiyo 17 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
ia chits. 2 ¶13-23, uye kudzokorora kuri papeji 24 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 26-29 (8 min.)
Nha. 1: 1 Makoronike 29:20-30 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Simba Roupenyu Revanhu Nemhuka Rinonzi Mudzimu—td 29B (5 min.)
Nha. 3: VaKristu Havasungirwi Kuchengeta Sabata—td 38A (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Ini ndakadyara, Aporo akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure.”—1 VaK. 3:6.
10 min: Rambai ‘Muchidiridza’ Vaya Vanoratidza Kufarira. (1 VaK. 3:6-8) Itai kuti piyona wenguva dzose nemuparidzi vauye pachikuva. Vabvunzei kuti vanoita sei kuti vadzokere kunoona vanenge vafarira? Vanogadzirira sei? Vanoita sei nedambudziko rekushaya vanhu pamba pavanodzokera? Zvinhu zvipi zvinokurudzira zvavakasangana nazvo?
20 min: “Zvinhu Zvakarekodhwa Zvekuteerera Zvingashandiswa Sei?” Mibvunzo nemhinduro. Tsanangurai kuti vaparidzi vangawana sei zvinhu zvakarekodhwa zvekuteerera zviri pajw.org. Varidzirei nzwisa yechimwe chacho. Muchishandisa zvakaitika muushumiri zviri munyaya inoti “Shandisa Nzvimbo Yedu yepaIndaneti Muushumiri—‘Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa’” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2014, ivai nemuenzaniso unoratidza maitikiro azvakaita.
Rwiyo 108 Nemunyengetero