Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kupa Vanhu Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?
Sei Zvichikosha? Pazvinhu zvatinoshandisa kudzidza nevanhu Bhaibheri, bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? ndiro ratinonyanya kushandisa. Asi kuti tizodzidza nemumwe munhu bhuku iri, tinofanira kutanga tamupa bhuku racho. Saka tose tinofanira kushanda nesimba kuti tive neunyanzvi hwekupa vanhu bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? muushumiri. (Zvir. 22:29) Pane nzira dzakawanda dzinogona kushandiswa, uye vaparidzi vanogona kusarudza dzinovaitira.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Dzidzirai mharidzo dzacho pamunenge muchiita kunamata kwenyu kwemhuri.
Pamunenge muri muushumiri, udza vamwe vaparidzi zvaunoda kuzotaura. (Zvir. 27:17) Chinja mharidzo yako kana isinganyatsoiti kuti vanhu vafarire.