Purogiramu Yevhiki yaNovember 9
VHIKI INOTANGA NANOVEMBER 9
Rwiyo 48 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
ia chits. 2 ¶1-12 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 21-25 (8 min.)
Nha. 1: 1 Makoronike 23:1-11 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Tichaziva Kuti Kristu Adzoka Nezvinenge Zvichiitika—td 11B (5 min.)
Nha. 3: Mudzimu Mutsvene Chii?—td 29A (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Ini ndakadyara, Aporo akadiridza, asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure.”—1 VaK. 3:6.
10 min: “Ini Ndakadyara, Aporo Akadiridza, Asi Mwari Akaramba Achiita Kuti Zvikure.” Hurukuro inobva padingindira remwedzi uno. (1 VaK. 3:6) Kana nguva iripo taurai pfungwa dziri muNharireyomurindi yaMarch 1, 1993, mapeji 20-23. Taurai muchidimbu dzimwe hurukuro dzepaMisangano Yebasa yemwedzi uno, moratidza kuti dzinoenderana sei nedingindira racho.
20 min: “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kupa Vanhu Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?” Kukurukurirana. Ivai nemienzaniso mipfupi miviri, mumwe wemharidzo iri munyaya yacho uye mumwe wemharidzo yakaonekwa nemuparidzi kuti inoshanda.
Rwiyo 111 Nemunyengetero