Purogiramu Yevhiki yaNovember 2
VHIKI INOTANGA NANOVEMBER 2
Rwiyo 52 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
ia chits. 1 ¶14-27, uye zvokufunga nezvazvo zviri pap. 16 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 16-20 (8 min.)
Nha. 1: 1 Makoronike 17:15-27 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Mweya Wakasiyana Papi Nesimba Roupenyu?—td 32B (5 min.)
Nha. 3: Kristu Paanodzoka Haazoonekwi Nevanhu—td 11A (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Ivai ‘vakadzika midzi’ uye ‘vakadzikamiswa pakutenda.’—VaK. 2:6, 7.
10 min: Ipa Vanhu Magazini Muna November. Kukurukurirana. Tangai nekuva nemuenzaniso muchishandisa mharidzo dzokuenzanisira. Zvadaro, ongororai mharidzo dzacho kubva padzinotangira kusvika padzinoperera.
10 min: Zvomuungano Yenyu.
10 min: Takaitei? Kukurukurirana. Kumbirai vateereri kuti vataure kubatsirwa kwavakaitwa nekushandisa pfungwa dziri munyaya yakanzi, “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Vadzidzi veBhaibheri Kuva Nepurogiramu Yakarongeka Yekudzidza Vari Vega.” Kumbirai vateereri kuti vataure zvakaitika zvinofadza.
Rwiyo 140 Nemunyengetero
Chiyeuchidzo: Tapota ridzai rwiyo urwu rwutsva kamwe chete, mozoita kuti ungano iimbe pamunorwuridza kechipiri.