Shoko raMwari Rine Simba Muupenyu Hwako Here?
Kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kunotibatsira kuti ‘tidzike midzi’ uye ‘tidzikamiswe pakutenda.’ (VaK. 2:6, 7) Asi kuti Shoko raJehovha rive nesimba muupenyu hwedu, tinofanira kufungisisa uye kushandisa mazano ari mariri. (VaH. 4:12; Jak. 1:22-25) Rugwaro rwaJoshua 1:8 runoratidza zvinhu zvitatu zvinoita kuti ubatsirwe nekuverenga Bhaibheri: (1) Verenga Shoko raMwari “masikati nousiku.” (2) Verenga “nenzwi riri pasi.” Izvi zvinopa pfungwa yekuverenga uchizvipa nguva yekufungisisa uye yekufungidzira kuti nyaya yacho yakaitikira kupi uye mamiriro akanga akaita zvinhu panguva iyoyo. (3) Edza nepese paunogona napo kuti uite ‘zvese zvakanyorwa mariri.’ Kana tikaita zvinhu zvitatu izvi, ‘tichabudirira’ uye tichava ‘vakachenjera’ muupenyu hwedu hwezuva nezuva.