Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naOctober 26, 2015.
Nyaya iri pana 2 Madzimambo 13:18, 19 inoratidza sei kuti zvakakosha kushumira Mwari nemwoyo wose tichishingaira? [Sept. 7, w10 4/15 p. 26 ndima 11]
Jona paaishumira semuprofita, ndiani aitonga vaIsraeri, uye tinodzidzei paushumiri hwaJona maererano nezviri pana 2 Madzimambo 14:23-25? [Sept. 7, w09 1/1 p. 25 ndima 4]
Ahazi akaratidza sei kuti akanga asingavimbi neshoko raMwari raibva kumuprofita Isaya, uye mubvunzo upi watingazvibvunza kana tichida kuita zvisarudzo zvinokosha? (2 Madz. 16:7) [Sept. 14, w13 11/15 p. 17 ndima 5]
Chii chakaitwa naRabhisheki chiri kuitwa nevaya vanoshora vanhu vaMwari mazuva ano, uye chii chingatibatsira kuti tirambe nhema dzavanotaura? (2 Madz. 18:22, 25) [Sept. 14, w10 7/15 p. 13 ndima 3-4]
Muenzaniso waJosiya wekuzvininipisa unogona kutibatsira sei patinenge tichiverenga nekudzidza Bhaibheri? (2 Madz. 22:19, 20) [Sept. 21, w00 3/1 p. 30 ndima 2]
Vanochera matongo vakaratidza sei kuti madzimambo maviri anotaurwa pana 2 Madzimambo 25:27-30 akamborarama? [Sept. 28, w12 6/1 p. 5 ndima 2-3]
Ndezvipi zvinhu zvitatu zvakakumbirwa naJabhezi kuna Jehovha, uye izvi zvinotidzidzisei panyaya yekunyengetera? (1 Mak. 4:9, 10) [Oct. 5, w10 10/1 p. 23]
Hondo inotaurwa pana 1 Makoronike 5:18-22 yakapera sei, uye izvozvo zvingatibatsira sei kuti tirwe hondo yedu yekunamata neushingi? [Oct. 12, w05 10/1 p. 9 ndima 7]
Chii chakaita kuti Dhavhidhi anzwisise uye aremekedze mutemo waJehovha une chokuita neutsvene hweropa, uye tinodzidzei pane zvaakaita? (1 Mak. 11:17-19) [Oct. 19, w12 11/15 p. 6-7 ndima 12-14]
Chii chisina kuitwa naDhavhidhi paaida kuunza areka yesungano kuJerusarema, uye chidzidzo chipi chinokosha chatinowana kubva panyaya iyi? (1 Mak. 15:13) [Oct. 26, w03 5/1 p. 10-11 ndima 11-13]