Purogiramu Yevhiki yaOctober 26
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 26
Rwiyo 15 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
ia chits. 1 ¶1-13 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Makoronike 12-15 (8 min.)
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri (20 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Ivai ‘vakadzika midzi’ uye ‘vakadzikamiswa pakutenda.’—VaK. 2:6, 7.
10 min: Zvatichapa Vanhu Muna November. Kukurukurirana. Itai kuti vanhu vave nechido chekushandisa maturakiti nebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei? Kurukurai muchidimbu pfungwa dzinokosha dziri munyaya inoti, “Maturakiti Matsva Akagadzirwa Zvakanaka Chaizvo!” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 2014. Ivaiwo nemuenzaniso unoenderana nendima yenyu.
20 min: “Shoko raMwari Rine Simba Muupenyu Hwako Here?” Hurukuro. Ipai sumo pfupi, mobva maita kuti vateereri vanzwe nyaya yemuBhaibheri ine musoro unoti, “Usapera Simba Paunoruramiswa naJehovha!” Nyaya iyi inowanika pajw.org pakanzi, “Kuverengwa Kwenyaya dzemuBhaibheri Sedziri Kuitika.” Tsanangurai kuti kufungisisa Shoko raMwari kungatibatsira sei kuti tiwane chokwadi cheBhaibheri chisingachinji chatinogona kushandisa muupenyu hwedu. Pedzisai nekukurudzira vese kuti vateerere kuverengwa kwenyaya dzemuBhaibheri sedziri kuitika dzinowanika pajw.org.
Rwiyo 113 Nemunyengetero