Uri Kushandisa Bhurocha raAnodei Kutanga Zvidzidzo Here?
1 Waiziva here kuti ukagara uchikurukura nhau dzeBhaibheri nomunhu anofarira uchitaura mashoko ari mune rimwe remabhuku anofanira kudzidzwa, kunyange kwenguva pfupi, uri kuitisa chidzidzo cheBhaibheri? Hungu, izvi ndezvechokwadi kunyange kana chidzidzo chacho chichiitwa pasuo kana kuti parunhare. Wadii kuedza nepaunogona napo pose muna May naJune kuti utange chidzidzo chakadaro uchishandisa bhurocha raAnodei?
2 Gadzirira Kuti Ubudirire: Pakugovera bhurocha raAnodei, nyatsojekerwa nezvaunoda kukurukura. Kana uri kushanya zvekare, funga zvamakakurukura pawakashanya pakutanga. Zvibvunze kuti: ‘Ndingasimbisa ndima dzipi dziri mubhurocha racho kuita kuti kukurukurirana kwacho kuenderere mberi kwozoita kuti titange kudzidza Bhaibheri?’ Kana uri kuenda paimba neimba, funga kuti inhau dzipi dzingafadza munhu achiri kuyaruka, munhu akura, murume, kana kuti mukadzi. Ongorora zvidzidzo zviri mubhurocha racho, uye sarudza musoro unonakidza. Wasarudza masvikiro aungaita, adzidzire kanoverengeka. Iyi ndiyo imwe nzira inokosha kuti ubudirire.
3 Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJanuary 2002 inopa “Mazano Okugovera Bhurocha raAnodei” masere. Bhokisi rinoti “Kusvika Kwakananga” rinoratidza kushandiswa kungaitwa bhurocha racho kutanga zvidzidzo. Ungachinja zano rokutanga seizvi:
◼ “Maiziva here kuti mumaminitsi mashomanana, munogona kuwana mhinduro yomubvunzo weBhaibheri unokosha? Somuenzaniso, nei kuine zvitendero zvakawanda zvikuru zvinotaura kuti ndezvechiKristu? Makambofunga nezvazvo here?” Munhu wacho apindura, vhura pachidzidzo 13 mobva makurukura ndima mbiri dzokutanga. Kana nguva iripo, verengai uye kurukurai rugwaro rumwe kana maviri. Zvadaro verenga mubvunzo wokupedzisira pane yakarongwa papeji yacho wobva wati: “Chidzidzo chacho chose chinosimbisa zvinhu zvishanu zvinozivisa chitendero chechokwadi. Ndaizofara kudzoka tozozvikurukura nemi.”
4 Ramba Uchidaro: Shandisa mikana yose kuratidza chidzidzo cheBhaibheri mubhurocha raAnodei. Kumbira chikomborero chaJehovha. (Mat. 21:22) Ukaramba uchidaro, ungawana mufaro wokubatsira mumwe munhu kubvuma mashoko akanaka!