RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/15 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
km 6/15 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naJune 29, 2015. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.

  1. Matauriro akaita Mikari kuna Dhavhidhi akanga akaipirei, uye vakaroorana vanogona kuwana chidzidzo chipi chinokosha? (2 Sam. 6:20-23) [May 11, w11 8/1 p. 12 ndima 1]

  2. Muprofita Natani akaita sei paakaruramiswa naJehovha nemhaka yekuti ainge audza Dhavhidhi kuti avakire Jehovha temberi? (2 Sam. 7:2, 3) [May 11, w12 2/15 p. 24 ndima 6-7]

  3. Sei Natani akatanga ataura muenzaniso uri pana 2 Samueri 12:1-7 pane kungoudza Dhavhidhi kuti aita chivi chakakura? Nyaya iyi inotibatsira sei kuvandudza madzidzisiro edu? [May 18, w12 2/15 p. 24 ndima 2-3]

  4. Sei Absaromu akabudirira kunyengedza vaIsraeri, uye tingazvidzivirira sei kuti tisanyengedzwa nevanhu vakaita saAbsaromu vemazuva ano? (2 Sam. 15:6) [May 25, w12 7/15 p. 13 ndima 7]

  5. Jehovha akachengeta sei Dhavhidhi paakanga achitambudzika zvikuru uye tinodzidzei? (2 Sam. 17:27-29) [June 1, w08 9/15 p. 5 ndima 15-p. 6 ndima 16]

  6. Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naDhavhidhi pamabatiro aakaita munhu werumwe rudzi ainzi Itai? (2 Sam. 18:2) [June 1, w09 5/15 p. 27 ndima 7]

  7. Vanhu vakwegura vari muungano vanodzidzei kuna Bhazirai? (2 Sam. 19:33-35) [June 8, w07 7/15 p. 15 ndima 2-3]

  8. Mashoko akataurwa naDhavhidhi panyaya yekuvimbika anosimbisa sei vashumiri vaJehovha mazuva ano? (2 Sam. 22:26) [June 15, w10 6/1 p. 26 ndima 6-7]

  9. Natani akaratidza sei kuti akanga akavimbika kuna Mwari, uye isu tingamutevedzera sei? (1 Madz. 1:11-14) [June 22, w12 2/15 p. 25 ndima 1,4-5]

  10. Ndepapi apo mushumiri waMwari anogona kuzotanga kupa tuzvikonzero twekutyora mitemo yaMwari, sezvakaitwa naSoromoni? (1 Madz. 3:1) [June 29, w11 12/15 p. 10 ndima 12-14]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe