Purogiramu Yevhiki yaMay 18
VHIKI INOTANGA NAMAY 18
Rwiyo 50 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 24 ¶18-21, bhokisi riri papeji 249 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 2 Samueri 9-12 (8 min.)
Nha. 1: 2 Samueri 10:13–11:4 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: VaKristu Vechokwadi Havaiti Barika—td 19E (5 min.)
Nha. 3: Tingava Netariro Yei Nezvevakafa?—igw p. 19 ¶1-3 (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Batsira vanhu vemarudzi ose kuwana zivo yakarurama yechokwadi.—1 Tim. 2:3, 4.
10 min: Kubatsira Kwakaita Pauro vaGiriki Kuti Vave Nezivo Yakarurama Pamusoro Pechokwadi. Kukurukurirana. Itai kuti Mabasa 17:22-31 iverengwe. Kurukurai nevateereri kuti nyaya iyi ingatibatsira sei muushumiri.
20 min: Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya. Kukurukurirana. Ratidzai vateereri vhidhiyo inonzi Jehovha Achakubatsira Kuti Usatya. (Endai pajw.org, motarisa pakanzi ZVINODZIDZISWA NEBHAIBHERI > VANA.) Kumbirai kuti vateereri vataure zvidzidzo zviri muvhidhiyo iyi. Bvunzai vana vari kuenda kuchikoro kuti vhidhiyo iyi yakavabatsira sei kuva neushingi hwekuparidzira vamwe vana vekuchikoro nevadzidzisi. Ivai nemuenzaniso wemwana mumwe chete achidzokorora zvakaitika zvaasingakanganwi, paaiparidza kuchikoro.
Rwiyo 60 Nemunyengetero