Ita Kuti Shoko raMwari Ribudise Simba Raro Muushumiri Hwako
Kana mumwe munhu akabvuma kuti timuudze mashoko akanaka, tinonyatsoshandisa mukana wacho uye tinoverenga magwaro kubva muBhaibheri kuti Shoko raMwari ribudise simba raro. Izvi zvakasimbiswa pagungano rezuva rimwe chete regore rakapera. Mutariri wedunhu akapa hurukuro yaiva nemusoro waiti, “Ita Kuti Shoko raMwari Ribudise Simba Raro Muushumiri Hwako.” Uchiri kuyeuka here pfungwa huru dzehurukuro yacho?
Nei shoko raJehovha riine simba kupfuura redu?—2 Tim. 3:16, 17.
Chii chinoita kuti Bhaibheri ribaye mwoyo, rigadzirise mafungiro edu, rinatsiridze zvatinovavarira kuita, uye ritungamirire zvatinoita?—Ona Nharireyomurindi yaJune 15, 2012, p. 27, ndima 7.
Patinenge tichida kuverengera munhu rugwaro muushumiri, tingarwusuma sei nenzira inoita kuti munhu wacho aremekedze Shoko raMwari?—Ona bhuku reChikoro Choushumiri p. 148, ndima 3-4 uye Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 2013 p. 6, ndima 8.
Sei zvichikosha kuti titsanangure magwaro, tobatsira vanhu kuanzwisisa, uye tingazviita sei?—Mab. 17:2, 3; ona bhuku reChikoro Choushumiri peji 154, ndima 4 kusvika kupeji 156, ndima 5.