Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda
Nguva dzeGungano: Mumhanzi uchatanga na9:20 a.m. mazuva ose ari matatu. Panosumwa mumhanzi, tose zvedu tinofanira kunogara pasi kuitira kuti purogiramu itange zvine ruremekedzo. Purogiramu ichapera kuma5:00 p.m. musi weChishanu neMugovera uye kuma4:00 p.m. musi weSvondo.
‘Rumbidza Jehovha Nerwiyo’: Vanhu vaMwari vekare vairumbidza Jehovha nerwiyo uye nanhasi vachiri kukoshesa kuimba pakunamata kwavo. (Pis. 28:7) Chikamu chimwe nechimwe chegungano redu romunharaunda chinotanga nemumhanzi. Iyi haisi mimhanzi yekuti tinakidzwe tichitaura nyaya asi ndeyokuita kuti tidzidze nezvaJehovha tichimunamata. Saka sachigaro paanosuma kuti mimhanzi yava kutanga, ndiyo nguva yekuti tigare pasi toteerera mimhanzi iyi, kwete kutaura nyaya. Kuita izvi kunoratidza kuti tinokoshesa basa riri kuitwa nehama dzedu dzinoridza mimhanzi iyi. Kaviri pagore hama nehanzvadzi idzi dzinozvibhadharira mari yekufamba kuenda kuPatterson, New York, kunoridza mimhanzi iyi yakanaka nechinangwa chekuti isu tizoiteerera. Pashure pokunge tanyatsoteerera mimhanzi iyi, tose tinofanira kubatana pakurumbidza Jehovha tichiimba nziyo dzoUmambo.
Pokupaka: Panzvimbo dzose dzichaitirwa gungano, kupaka motokari hakubhadhariswi kana tirisu tiri kuona nezvekupaka kwacho, uye nzvimbo dzichawanikwa zvichienderana nokuti ndiani atanga kusvika. Sezvo nzvimbo dzokupaka dzichiwanzova shoma, vaya vanokwanisa kushandisa motokari imwe chete ngavasati uyu yake uyu yake. Vakaremara ndivo chete vachabvumirwa kupaka panzvimbo yavakachengeterwa.
Kubata Nzvimbo: Pamunosvika panenge pachiitirwa gungano, tapota musaita zvokumhanyira pokugara, semuri kukwikwidzana nevamwe vauya kugungano. Tapota ngatifungei vamwe, kunyange kutorega kuita zvimwe zvatinoda nechinangwa chekuti zvinakire hama dzedu. Kuzvipira kwatinoita kunoratidza kuti tiri vaKristu vechokwadi uye kunoita kuti vanotiona varumbidze Mwari. (Joh. 13:34, 35; 1 VaK. 13:5; 1 Pet. 2:12) Munogona kubatira nzvimbo vaya chete vamunenge muchigara navo kumba, vamunofamba navo mumotokari imwe chete, kana kuti vaya vamuri kudzidza navo Bhaibheri. Tapota musaisa zvinhu pazvigaro zvamunenge musiri kubatira vamwe. Izvi zvichaita kuti vamwe vaone kuti nzvimbo idzodzo hadzina kubatwa. Pachava nenzvimbo dzekugara dzevakwegura nevanorwara. Sezvo nzvimbo dzacho dziri shoma, munhu mumwe chete kana vaviri vanenge vachibatsira munhu wacho akwegura kana kuti anorwara, ndivo vanogona kugara naye.
Kupfeka Zvine Mwero: Zvatinopfeka panguva yegungano zvinofanira kunge zvakakodzera uye zviine mwero, zvisingaratidzi zvitaera zvokunyanyisa zvakazara munyika. (1 Tim. 2:9) Hatifaniri kupfeka zvouyanga. Saka hatizonyari kupfeka bheji redu regungano uye kuparidza patinowana mukana. Zvatichapfeka uye zvakanaka zvatichaita patichapinda magungano emunharaunda ari kuuya zvichaita kuti vanhu vanoda chokwadi vafarire mashoko emuBhaibheri anoponesa uye zvichafadza Jehovha.—Zef. 3:17.
Kushandisa Zvakanaka Midziyo Yemagetsi: Kuita kuti mafoni edu kana kuti mimwe midziyo yedu yemagetsi zvisavhiringidze vamwe kunoratidza kuti tine tsika dzakanaka. Kana tichishandisa kamera, mudziyo wekutora vhidhiyo, nezvimwewo zvakadaro, tinofanira kufungawo vamwe torega kuvavhiringidza kana kuvavharidzira. Tinoratidzawo tsika dzakanaka nekusatumirana mameseji asina basa panguva yepurogiramu.
Zvokudya Zvemasikati: Tapota uyai nezvokudya zvemasikati pane kuzobva panzvimbo yegungano muchinotsvaka zvokudya panguva yokuzorora. Mungashandisa chokutakurira zvokudya chiduku chinokwana pasi pechigaro chenyu. Midziyo yakakura yokutakurira zvokudya, uye midziyo yegirazi hazvibvumirwi panoitirwa gungano.
Mari Yezvipo: Tinogona kuratidza kutenda kwatinoita urongwa hwegungano nekupawo mupiro watinenge tasarudza toga kuti titsigire basa romunyika yose pagungano. Cheki dzose dzinofanira kunyorwa kuti “Watchtower Society.”
Mishonga: Kana muine mushonga wamakanzi nachiremba mushandise, tapota ivai nechokwadi chokuti mauya nemushonga wakakwana nokuti pagungano panenge pasina. Majekiseni netsono zvinoshandiswa nevane chirwere cheshuga zvinofanira kuraswa nenzira isingazokuvadzi vamwe uye hazvifaniri kurasirwa mumabhini anoshandiswa panzvimbo yegungano kana kuti muhotera.
Kudzivirira Tsaona: Tapota ngwarirai kuti musakuvara zvichikonzerwa nekutsvedza kana kupingirishwa. Gore negore vanhu vakawanda vanokuvara pamusana peshangu, kunyanya dziya dzakareba. Zvakanaka kusarudza shangu dzine mwero, dzinonyatsokwana, dzinoita kuti munhu akwanise kufamba zvakanaka pamasitepisi nedzimwe nzvimbo dzakada kudaro.
Mapurema: Mapurema haabvumirwi panoitirwa gungano. Zvisinei, zvigaro zvevana zvine mabhandi zvinobvumidzwa kana zvichigona kusungirirwa pachigaro chiri pedyo nevabereki.
Mapefiyumu: Mamwe magungano anoitirwa muzvivako zvakavharika. Saka tinoratidza kuti tinoda vamwe kana tikashandisa zvine mwero mapefiyumu akasimba anogona kukanganisa vamwe vanhu vane zvirwere zvinoita kuti vazarirwe nezvimwewo.—1 VaK. 10:24.
Fomu rinonzi Tapota Onai Munhu Uyu (S-43): Fomu iri rinofanira kushandiswa pakupa mashoko ane chokuita nevanhu vose vanofarira vanenge vaparidzirwa zvisina kurongwa panguva yegungano. Mafomu anenge anyorwa angaendeswa kuImba yeMabhuku kana kuti mungaapa munyori weungano yenyu pamunodzokera kumba.
Maresitorendi: Itai kuti zita raJehovha rikudzwe nezvakanaka zvamunoita mumaresitorendi. Pfekai zvakakodzera vaKristu.
Pokugara:
Nguva dzose, unofanira kuratidza chibereko chomudzimu kumunhu anenge akugamuchira. Iye achafara chaizvo kana ukaratidza kuti unonzwisisa, une mutsa nemwoyo murefu.
Vabereki vanofanira kugara vachingwarira zvinoitwa nevana, kunyange kana vachigara pamba pehama.
Basa Rokuzvipira: Vose vanoda kuzvipira kushanda vanofanira kutaura neDhipatimendi reVazvipiri pagungano. Vana vari pasi pemakore 16 vanogona kubatsirawo nokushanda pamwe chete nevabereki vavo kana kuti nemumwe munhu mukuru anenge abvumirwa nevabereki vavo.