Purogiramu Yevhiki yaApril 27
VHIKI INOTANGA NAAPRIL 27
Rwiyo 1 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 23 ¶19-23, bhokisi riri pap. 239 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 Samueri 26-31 (8 min.)
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri (20 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Fambai sezvinoita vanhu vakachenjera, “muchizvitengera nguva yakakodzera.”—VaEf. 5:15, 16.
7 min: “Kukoka Munhu Mumwe Nemumwe.” Mibvunzo nemhinduro. Pakukurukura ndima 3, ivai nemuenzaniso mupfupi unoratidza kuti tingapa sei vanhu pepa rokukoka.
10 min: “Zviyeuchidzo Zvegungano Remunharaunda.” Kukurukurirana kunoitiswa nemunyori. Simbisai mazano eBhaibheri aripo uye kuti angashandiswa sei pagungano remunharaunda ra2015. Kurukurai pfungwa dzinoshanda dziri mutsamba yakanyorerwa ungano dzose yaAugust 3, 2013, inotinyevera kuti tidzivirire njodzi patinoungana tichinamata.
13 min: “Ita Kuti Shoko raMwari Ribudise Simba Raro Muushumiri Hwako.” Kukurukurirana. Kana mapedza nyaya yacho ivai nemienzaniso miviri mipfupi. Mune wokutanga, muparidzi anotaura mashoko ari pana 2 Timoti 3:16, 17 nemusoro paanenge achida kupa munhu bhurocha raMashoko Akanaka, asi asingavhuri Bhaibheri. Zvadaro, muparidzi mumwe chete iyeye, anodzokorora zvaamboita, asi panguva ino anoverenga rugwaro rwacho kubva muBhaibheri. Itai kuti vaparidzi vataure kuti sei kutevedzera zvaitwa mumuenzaniso wechipiri kuchinyatsobatsira.
Rwiyo 124 Nemunyengetero