Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naApril 27, 2015. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.
Rudo rwakavimbika rwakaita sei, uye runonyanya kudiwa papi muupenyu? (Rute 1:16, 17) [Mar. 2, w12 7/1 p. 26 ndima 6]
Chii chakaita kuti Rute anzi “mukadzi akanaka kwazvo”? (Rute 3:11) [Mar. 2, w12 10/1 p. 23 ndima 1]
Tingabatsirwa sei nemuenzaniso waHana patinosangana nematambudziko? (1 Sam. 1:16-18) [Mar. 9, w07 3/15 p. 16 ndima 4-5]
Samueri paainge achiri mukomana “achikura Jehovha ainaye,” chii chakamudzivirira kuti asakanganiswa nezvakaipa zvaiitwa nevanakomana vaEri? (1 Sam. 2:21) [Mar. 9, w10 10/1 p. 16 ndima 2-3]
Tinodzidzei pane zvakaitwa naSauro, vamwe “varume pasina” pavakaramba kuti ave mambo wavo? (1 Sam. 10:22, 27) [Mar. 23, w05 3/15 p. 23 ndima 1]
Tinowana chidzidzo chipi chinokosha pakurasika kwakanga kwakaita Sauro paakafunga kuti aigona kupa chibayiro panzvimbo pekuteerera Jehovha? (1 Sam. 15:22, 23) [Mar. 30, w07 6/15 p. 26 ndima 3-4]
Sei kuziva kuti Jehovha “anoona zvakaita mwoyo” kuchitisimbisa? (1 Sam. 16:7) [Apr. 6, w10 3/1 p. 23 ndima 7]
Chii chatiinacho chinotaurwa pana Zvirevo 1:4, chatinonzi naJehovha tishandise patinosangana nemamiriro ezvinhu akaoma? (1 Sam. 21:12, 13) [Apr. 13, w05 3/15 p. 24 ndima 5]
Sei zvinganzi Abhigairi paakapa Dhavhidhi nevarume vaaiva navo zvokudya, akanga asiri kupandukira murume wake? (1 Sam. 25:10, 11, 18, 19) [Apr. 20, w09 7/1 p. 20 ndima 3]
Abhigairi haasiriye ainge akanganisa asi akakumbira ruregerero. Tingadzidzei pane izvozvo? (1 Sam. 25:24) [Apr. 20, w02 11/1 p. 5 ndima 1, 4]