Shandisa Kabhuku kaZviri muShoko raMwari Pakutanga Kukurukura Nevanhu
1. Kabhuku kapi katsva katakapiwa kanogona kutibatsira muushumiri?
1 PaGungano Renyika Dzakawanda ratakaita gore rapera muna August pakabudiswa kabhuku kaZviri muShoko raMwari muchiShona nechiNdebele. Kabhuku aka kane mashoko ari kwekutanga kweBhaibheri reChirungu rakadzokororwa reShanduro yeNyika Itsva. Tingashandisa sei kabhuku katsva aka pakugadzirira mharidzo dzomuushumiri? Sezvo musoro mumwe nemumwe uri mukabhuku aka uine magwaro anoutsanangura, sezvakaita bhuku raKukurukurirana, kanogona kutibatsira kutanga kukurukura nevanhu.
2. Tingashandisa sei kabhuku kaZviri muShoko raMwari muushumiri?
2 Unogona kushandisa mubvunzo wechi8 wotaura kuti: “Tiri kukurukura nevanhu munharaunda ino kwenguva pfupi. Vanhu vakawanda vanobvunza kuti, ‘Mwari ndiye ari kukonzera kutambura kwevanhu here?’ [Mune dzimwe ndima, kuratidza saimba mubvunzo wacho kunobatsira chaizvo.] Munotiwo kudii? [Rega apindure.] Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo zvinogutsa.” Vhurai Bhaibheri, moverenga nekukurukura rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Kana saimba akafarira, unogona kumuratidza mibvunzo 20 iri mukabhuku aka, womubvunza waanoda kuti mukurukure paunozodzoka. Kana kuti unogona kumupa chinyorwa chatinodzidza nevanhu chine mamwe mashoko anoenderana nenyaya yamanga muchikurukura.
3. Tingashandisa sei kabhuku kaZviri muShoko raMwari kuti titange kukurukura nevanhu vechitendero chisiri chechiKristu?
3 Mubvunzo wechi4 uye 13 kusvika ku17, inogona kubatsira zvikuru pakuparidza mundima ine vanhu vane chitendero chisiri chechiKristu. Somuenzaniso, munogona kushandisa mashoko ari pamubvunzo wechi17 muchiti: “Tauya kuti tikuudzei mashoko atiri kuudza mhuri dzose kwenguva pfupi. Munozvibvumawo here kuti mazuva ano mhuri dziri kusangana nematambudziko akawanda? [Rega apindure.] Vanhu vakawanda vakaona kuti mashoko aya ouchenjeri anobatsira: ‘Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.’ [Hamufaniri henyu kutaura kuti mashoko aya anobva pana VaEfeso 5:33. Kana muri kutaura nemukadzi, munogona kutaura nemusoro mashoko ari pana VaEfeso 5:28.] Munofunga kuti kutevedzera mazano aya kunogona kubatsira mhuri here?”
4. Ungaita sei paunenge wava kupedza kukurukura nemunhu wechitendero chisiri chechiKristu?
4 Pedzisai nokuronga kuti muzoenderera mberi nekukurukura nyaya yacho mumwe musi. Pamwe munogona kuronga kuzokurukura rugwaro rumwe chete pane ari pamubvunzo wamashandisa. Panguva yakakodzera, ita kuti saimba azive kuti mashoko ouchenjeri awaimuudza ndeemuBhaibheri. Mupe chinyorwa chaunofunga kuti anogona kuchifarira, zvichienderana nezvamakambokurukura uye nemaonero aanoita Bhaibheri.—Ona peji 3-6 muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaDecember 2013.