Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kuparidza neIntercom
Sei Zvichikosha? Kuparidza neintercom kunogona kutyisa. Chii chingatibatsira kuti izvi zvisatitadzisa kushingairira mabasa akanaka? Yeuka kuti pane vamwe vanhu vatisingagoni kuparidzira kunze kwekunge tashandisa intercom. (VaR. 10:14) Zvakaitika zvinoratidza kuti kuparidza nenzira iyi kunobudirira. (Ona Bhuku Regore ra2011 reChirungu, p. 65, ndima 2-p. 66, ndima 1, uye Bhuku Regore ra2000 reChirungu, p. 54, ndima 3.) Ona mazano anotevera.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Pamunoita kunamata kwemhuri dzidzirai izvi muchiita kuti vanhu vaviri vataure vakafuratirana.