Sei Tichifanira ‘Kushingairira Mabasa Akanaka’?
Unoshingairira mabasa akanaka here? Sevaparidzi veUmambo, ndizvo zvatinofanira kuita. Sei tichifanira kushingaira? Ngatimbokurukurei zvatinoverenga pana Tito 2:11-14:
Ndima 11: Chii chinonzi “mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari,” uye wakabatsira sei mumwe nemumwe wedu?—VaR. 3:23, 24.
Ndima 12: Tiri kurayiridzwa sei nemutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari?
Ndima 13, 14: Sezvo takatsveneswa, tava netariro yei? Chinangwa chikuru chekutsveneswa kwatakaitwa naMwari pamabasa asingamufadzi ndechei?
Ndima idzi dzinokubatsira sei kuti ushingairire mabasa akanaka?