Purogiramu Yevhiki yaFebruary 2
VHIKI INOTANGA NAFEBRUARY 2
Rwiyo 109 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 19 ¶18-23, bhokisi riri pap. 198 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 8-10 (8 min.)
Nha. 1: Vatongi 8:13-27 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Ndiani Akanyora Bhaibheri?—igw p. 6 ¶1-5 (5 min.)
Nha. 3: Kutenda Muna Jesu Hakusiriko Kwega Kunokosha—td 10C (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Shandira Ishe nepfungwa dzinozvininipisa kwazvo.”—Mab. 20:19.
10 min: Ipa Vanhu Magazini Muna February. Kukurukurirana. Tangai nokuenzanisira kuti tingapa sei vanhu magazini acho muchishandisa mharidzo dzokuenzanisira dziri papeji ino. Zvadaro, ongororai mharidzo dzacho dzokuenzanisira kubva padzinotangira kusvika padzinoperera.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Takaitei? Kukurukurirana. Kumbirai vateereri kuti vataure kubatsirwa kwavakaitwa nekushandisa pfungwa dziri munyaya yakanzi “Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Zvatingaita Kana Saimba Atitsamwira.” Kumbirai vateereri kuti vataure zvakaitika zvinofadza.
Rwiyo rwutsva, “Tipei Ushingi” Nemunyengetero
Chiyeuchidzo: Tapota ridzai rwiyo urwu rwutsva kamwe chete, mozoita kuti ungano iimbe pamunorwuridza kechipiri.