Purogiramu Yevhiki yaJanuary 26
VHIKI INOTANGA NAJANUARY 26
Rwiyo 99 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 19 ¶9-17 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Vatongi 5-7 (8 min.)
Nha. 1: Vatongi 7:12-25 (3 min. zvichidzika)
Nha. 2: Kuti Tiponeswe, Tinofanira Kutenda Muna Jesu Kristu—td 10B (5 min.)
Nha. 3: Ndezvipi Zvingatibatsira Kudzidza nezvaJehovha?—igw p. 5 ¶1-4 (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Shandira Ishe nepfungwa dzinozvininipisa kwazvo.”—Mab. 20:19.
10 min: Zvatichapa vanhu muna January naFebruary. Kukurukurirana. Kumbirai vateereri kuti vataure zvakanaka zvakaitika pavaipa vanhu bhurocha raMashoko Akanaka. Ivai nemuenzaniso mupfupi unoratidza kuti tingapa sei vanhu bhurocha racho. Kana mapedza, kurukurai nyaya inoti “Sei Tichifanira Kubva Tangoenda?”
10 min: Vakuru Vanoshandira Ishe—Muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi. Bvunzai muitisi weChidzidzo cheNharireyomurindi mibvunzo iyi: Basa renyu rinosanganisirei? Munogadzirira sei Chidzidzo cheNharireyomurindi? Sei zvisingaiti kuti mupe munhu wose anenge asimudza ruoko mukana wokupindura? Muverengi, vateereri uye hama dzinofambisa mamaikorofoni vangaitawo sei kuti Chidzidzo cheNharireyomurindi chibatsire uye chinakidze? Chikoro Choushumiri hwoUmambo chichangobva kuitwa chakakubatsirai sei kuti munyatsokwanisa kuita basa iri rinokosha?
10 min: “Shandisa jw.org Muushumiri—‘Iva Shamwari yaJehovha.’” Kukurukurirana. Taurai muchidimbu zvimwe zviri pachikamu ichi chepajw.org, moratidza vateereri imwe vhidhiyo kana kuti rwiyo pane zviripo. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti chikamu chakanzi “Iva Shamwari yaJehovha” chingashandiswa sei patinenge tichiparidza paimba neimba, zvisina kurongwa kana kuti kunowanikwa veruzhinji.
Rwiyo 135 Nemunyengetero