Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna December: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kana kuti rimwe rematurakiti anotevera: Unoona Sei Bhaibheri?, Unoona Sei Ramangwana?, Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare?, Ndiani Chaizvo Ari Kutonga Nyika Yose?, Kutambura Kuchazombopera Here?, kana kuti Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here? January naFebruary 2015: Mashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari! Edza kutanga zvidzidzo zveBhaibheri uchishandisa bhurocha iri. March 2015: Magazini eNharireyomurindi neAwake!
◼ Chirangaridzo chegore ra2016 chichaitwa musi weChitatu, 23 March, 2016.
◼ Kutanga musi wa1 January, 2015, urongwa hwekuti ungano dzishandise Mugovera wekutanga wemwedzi mumwe nemumwe kuisa pfungwa pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri huchamiswa. Panzvimbo peizvi, vaparidzi vanogona kugovera magazini sezvavagara vachiita pamisi yeMugovera. Tinogona kutanga zvidzidzo zveBhaibheri chero nguva mwedzi wose, tichishandisa magazini kana kuti mamwe mabhuku atinoshandisa pakudzidza nevanhu.