Itira Vamwe “Zvinhu Zvakanaka” Nekugamuchira Vaeni (Mat. 12:35a)
Hapana mubvunzo kuti tose zvedu tinoda kuitira vamwe “zvinhu zvakanaka” ‘nekutevera nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka.’ (VaR. 12:13) Vakuru vanotungamirira pakuronga kuti vakurukuri vanoshanya vapiwe mari yekufambisa pamwe chete nekuzoita kuti vawane zvokudya. Zvisinei, tingazeza kugamuchira vaeni nekuti tinenge tiine zvishoma, kana kuti tinenge tichinetseka kuti tingazvigona here zvekukoka vamwe kumba kwedu. Kufungisisa zvakataurwa naJesu kuna Marita kunogona kutibatsira kukunda pfungwa dzakaita seidzi. (Ruka 10:39-42) Akasimbisa kuti kushamwaridzana uye kukurudzirana ndiwo “mugove wakanaka” wekugamuchira vaeni, kwete kuva nezvokudya zvakawanda-wanda kana kuti kuva neimba yakarongedzwa zvemaoresa. Kana tikashandisa zano iri, tose zvedu tinogona kuitira hama dzedu “zvinhu zvakanaka” sezvinotaurwa neShoko raMwari.—3 Joh. 5-8.