Purogiramu Yevhiki yaDecember 29
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 29
Rwiyo 37 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 18 ¶1-8 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Joshua 12-15 (10 min.)
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri (20 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Budisa “zvinhu zvakanaka” kubva papfuma yakanaka yatakapiwa.—Mat. 12:35a.
20 min: Dzidzisa Vana Vako Vari Muchokwadi Uye Vadzidzi veBhaibheri “Zvinhu Zvakanaka” Zvishoma Nezvishoma. (Matt. 12:35a) Kukurukurirana. Shandisai magwaro anotevera kuti muratidze kuti ndezvipi zvatinotarisira kuti zviitwe nevatinodzidza navo Bhaibheri uye vana vedu vari muchokwadi: 1 VaKorinde 13:11; 1 Petro 2:2, 3. Tsanangurai kuti ‘kuravira mukaka weshoko’ kunorevei uye kuti tingabatsira sei vadzidzi vedu nevana kuti vaite izvi. Tsanangurai zvatinodzidza pana Mako 4:28. (Ona Nharireyomurindi, yaDecember 15, 2014, p. 12, ndima 6-8.) Bvunzai muparidzi ane unyanzvi kana kuti mubereki anogona kutsanangura kubatsira kwaakaita mudzidzi weBhaibheri kana kuti mwana kuti afambire mberi pakunamata.—VaEf. 4:13-15; ona Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 2014 paBhokisi Remubvunzo.
10 min: “Itira Vamwe ‘Zvinhu Zvakanaka’ Nekugamuchira Vaeni (Mat. 12:35a).” Kukurukurirana. Vamwe vakabatsirwa sei kana kuti ndezvipi zvakaitika pavakagamuchira vaeni zvakanaka? Kumbirai vateereri kuti vataure kuti tingamuchira sei vaeni, kunyanya vaya vari mubasa renguva yakazara. Taurai urongwa hwekupa zvekudya kumukurukuri wese anoshanya kuungano yenyu.
Rwiyo 124 Nemunyengetero