Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naDecember 29, 2014.
Tinoona sei murayiro uri pana Dheuteronomio 14:1 unorambidza kuzvicheka-cheka panguva yekuchema munhu anenge afa? [Nov. 3, w04 9/15 p. 27 ndima 4]
Nei madzimambo emuIsraeri ainzi azvinyorere kopi yemutemo waMwari, ‘vouverenga mazuva ose eupenyu hwavo’? (Dheut. 17:18-20) [Nov. 3, w02 6/15 p. 12 ndima 4]
Nei zvichinzi “usarima nenzombe nembongoro zviri pamwe chete,” uye murayiro wekusungwa pajoko zvisina kukodzera unoshanda sei kuvaKristu? (Dheut. 22:10) [Nov. 10, w03 10/15 p. 32]
Sei zvakanga zvisingabvumirwi “kutora guyo kana huyo yaro sechokumbofanobata”? (Dheut. 24:6) [Nov. 17, w04 9/15 p. 26 ndima 3]
VaIsraeri vaifanira kuteerera sei, uye chii chinofanira kuita kuti tinamate Jehovha? (Dheut. 28:47) [Nov. 24, w10 9/15 p. 8 ndima 4]
Ndezvipi zvinhu zvitatu zviri pana Dheuteronomio 30:19, 20 zvatinofanira kuita kuti tiponeswe? [Nov. 24, w10 2/15 p. 28 ndima 17]
Tinosungirwa kuverenga nenzwi riri pasi mashoko ose ari muna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa here? Tsanangura. (Josh. 1:8) [Dec. 8, w13 4/15 p. 7 ndima 4]
Ndiani “mukuru weuto raJehovha” akanyorwa pana Joshua 5:14, 15, uye nyaya iyi ingatikurudzira sei? [Dec. 8, w04 12/1 p. 9 ndima 1]
Chii chakaita kuti Akani aite chivi, uye tingadzidzei pamuenzaniso wake wakaipa? (Josh. 7:20, 21) [Dec. 15, w10 4/15 p. 20-21 ndima 2, 5]
Muenzaniso waKarebhi unotikurudzira sei mazuva ano? (Josh. 14:10-13) [Dec. 29, w04 12/1 p. 12 ndima 2]