Purogiramu Yevhiki yaDecember 22
VHIKI INOTANGA NADECEMBER 22
Rwiyo 15 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 17 ¶17-23, bhokisi riri papeji 177 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Joshua 9-11 (10 min.)
Nha. 1: Joshua 9:16-27 (4 min. zvichidzika)
Nha. 2: Hapana Mudzimu Unosara Uchirarama Kana Munhu Afa—rs p. 247 ¶5–p. 248 ¶2 (5 min.)
Nha. 3: Kuziva Unhu hwaMwari—td 9C (5 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: Budisa “zvinhu zvakanaka” kubva papfuma yakanaka yatakapiwa.—Mat. 12:35a.
5 min: Zvomuungano menyu.
25 min: “Chikoro chaMwari Choushumiri cha2015 Chinotibatsira Kuvandudza Madzidzisiro Edu.” Kukurukurirana kuchaitiswa nemutariri weChikoro chaMwari Choushumiri. Mutariri wechikoro anogona kusarudza kuti dzimwe ndima dziverengwe dzisati dzakurukurwa. Jekesai zvachinja paHurukuro Nha. 1, nguva yePfungwa Huru dzemuBhaibheri, uye kupa zano kunoitwa nemutariri wechikoro. Itai kuti ndima 7 iverengwe, uye kana mapedza kuikurukura, ivai nemuenzaniso wemukuru achiitisa chidzidzo chemhuri, aine mudzimai wake nemwana vachishandisa mashoko ari pasi pemubvunzo 8, mukabhuku kaZviri muShoko raMwari. Mutariri wechikoro anofanira kuvapo panenge pachigadzirirwa muenzaniso iwoyo nemukuru wacho nemhuri yake. Kurudzirai vose kuti vashandise zvizere dzidzo iyi inobva kuna Mwari yatinowana muchikoro ichi uye kuti vashandise zvakanaka bhuku raBatsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri.
Rwiyo 117 Nemunyengetero