Kubudirira Pakuitisa Zvidzidzo zveBhaibheri
1. Vaparidzi vanofanira kuitei pavanoitisa zvidzidzo zveBhaibheri?
1 Hapana angashumira Mwari kana Jehovha asina kuita kuti “auye.” (Joh. 6:44) Kunyange zvakadaro, vaparidzi pavanoitisa zvidzidzo zveBhaibheri vanofanira kuitawo pavo pakubatsira vanhu kuti vaswedere pedyo naBaba vavo vekudenga. (Jak. 4:8) Kuti vaite izvi vanofanira kugadzirira. Kuverenga ndima uye kubvunza mubvunzo uripo handizvo chete zvinodiwa kuti tibatsire vadzidzi kunzwisisa uye kufambira mberi.
2. Zvii zvinogona kuitika kana tikabudirira pakuitisa chidzidzo cheBhaibheri?
2 Kuti vaparidzi vabudirire pakuitisa zvidzidzo, vanofanira kubatsira vavanodzidza navo (1) kunzwisisa zvinodzidziswa neBhaibheri, (2) kubvuma zvinodzidziswa neBhaibheri, uye (3) kushandisa zvinodzidziswa neBhaibheri. (Joh. 3:16; 17:3; Jak. 2:26) Zvinogona kutora mwedzi yakawanda kuti tibatsire munhu kuita zvose izvi. Asi chimwe nechimwe chazvo idanho rinobatsira mudzidzi kuva shamwari yaJehovha uye kuzvitsaurira kwaari.
3. Sei vadzidzisi vanobudirira vachibvunza mibvunzo inoita kuti munhu ataure zvaanofunga?
3 Mudzidzi weBhaibheri Ari Kufungei?: Kuti uone kana mudzidzi weBhaibheri achinzwisisa uye achibvuma zvaari kudzidza, usangotaura iwe chete asi mukurudzire kutaura zvaanofunga. (Jak. 1:19) Ari kunzwisisa zvinotaura Bhaibheri panyaya yamuri kukurukura here? Anogona kutsanangura nyaya yamuri kudzidza asingaiti zvekuverenga here? Anofungei pane zvaari kudzidza? Anotenda kuti zvinodzidziswa neBhaibheri zvine musoro here? (1 VaT. 2:13) Anoziva here kuti zvaari kudzidza zvinofanira kuchinja mararamire ake? (VaK. 3:10) Kuti tiwane mhinduro dzemibvunzo iyi, tinofanira kubvunza mibvunzo isingamuomeseri inoita kuti ataure zvaanofunga, tobva tateerera.—Mat. 16:13-16.
4. Tinofanira kuitei kana mudzidzi achitadza kunzwisisa kana kuti kushandisa zvaari kudzidza muBhaibheri?
4 Maitiro evanhu uye mafungiro zvinowanzodzika midzi zvokuti zvinoda nguva kuti zvipere. (2 VaK. 10:5) Ko kana mudzidzi asingabvumi kana kuti asingaiti zvaari kudzidziswa? Zvinoda kuti tive nemwoyo murefu, toita kuti papfuure nguva yakakodzera yekuti Shoko raMwari uye mudzimu mutsvene zvichinje mwoyo wake. (1 VaK. 3:6, 7; VaH. 4:12) Pane kuti timumanikidze kubvuma, kakawanda zvakanaka kuenda pane imwe nyaya kana achitadza kunzwisisa kana kuti kushandisa imwe dzidziso yeBhaibheri. Patinoramba tichimudzidzisa zvinobva muBhaibheri nemwoyo murefu nerudo, anogona kuzoita zvinenge zvichidiwa nekufamba kwenguva.