Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naOctober 27, 2014.
Nei vaIsraeri vakanyunyutira Mwari naMosesi sezviri pana Numeri 21:5, uye tinowana nyevero ipi munyaya yacho? [Sept. 1, w99 8/15 p. 26-27]
Nei Jehovha akatsamwira Bharami kwazvo? (Num. 22:20-22) [Sept. 8, w04 8/1 p. 27 ndima 2]
Numeri 25:11 inotiudzei nezvemafungiro aFiniyasi uye tingamutevedzera sei? [Sept. 8, w04 8/1 p. 27 ndima 4]
Mosesi akatiratidza sei muenzaniso wakazonaka wekuzvininipisa? (Num. 27:5, 15-18) [Sept. 15, w13 2/1 p. 5]
Joshua naKarebhi vakanyatsoratidza sei kuti vanhu vasina kukwana vanogona kuramba vakatendeka kuna Mwari pasinei nekupikiswa? (Num. 32:12) [Sept. 22, w93 11/15 p. 14 ndima 13]
Kuteerera kwakaita vanasikana vaZerofehadhi, kungaita kuti muKristu asati aroora kana kuroorwa ave nemaonero akaita sei panyaya yewanano? (Num. 36:10-12) [Sept. 29, w08 2/15 p. 4-5 ndima 10]
Chii chakazoguma chaitika kuvaIsraeri nemhaka yekunyunyuta uye kutaura mashoko akaipa kwavaiita, uye isu tingadzidzei munyaya iyi? (Dheut. 1:26-28, 34, 35) [Oct. 6, w13 8/15 p. 11 ndima 7]
Zvinhu zvipi zviviri zvaifanira kuitwa nevaIsraeri kuti vawane chikomborero chaJehovha uye kuti vabudirire muNyika Yakapikirwa? (Dheut. 4:9) [Oct. 13, w06 6/1 p. 29 ndima 15]
VaIsraeri pavaifamba murenje, mbatya dzavo hadzina kusakara uye tsoka dzavo hadzina kuzvimba pakuti kudii? (Dheut. 8:3, 4) [Oct. 20, w04 9/15 p. 26 ndima 1]
Tingashandisa sei zano rakakurudzirwa vaIsraeri rekuti ‘vanamatire’ kuna Jehovha? (Dheut. 13:4, 6-9) [Oct. 27, w02 10/15 p. 16 ndima 14]