Purogiramu Yevhiki yaOctober 27
VHIKI INOTANGA NAOCTOBER 27
Rwiyo 5 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 15 ¶1-10 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Dheuteronomio 11-13 (10 min.)
Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri (20 min.)
Musangano Webasa:
Dingindira Remwedzi Uno: “Paridza shoko” uchiziva kuti nguva yapera.—2 Tim. 4:2.
15 min: “Zvatingaita Kuti Tiparidze Tichiziva Kuti Nguva Yapera.” Kukurukurirana. Ivai nemuenzaniso wemuparidzi ari kugovera bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei kana kuti turakiti.
15 min: Gadzirira Nemazvo Kuti Uparidze Uchiziva Kuti Nguva Yapera. Kukurukurirana kubva muNharireyomurindi yaAugust 15, 2014, peji 14-15, ndima 14-20. Bvunzai vateereri kuti vanhu vari mundima yenyu vari kunetseka nenyaya dzipi. Tingabatsira sei vanhu panyaya idzi patinenge tiri muushumiri? Itai kuti mapiyona maviri kana kuti murume nemudzimai vaenzanisire kushandisa kwavangaita mashoko ari muNharireyomurindi iyi pakugadzirira mharidzo dzingafarirwa nevanhu vari mundima yenyu. Vari pamuenzaniso vanogona kusarudza kuti vachapa saimba chinyorwa chipi.
Rwiyo 95 Nemunyengetero