Zvatingaita Kuti Tiparidze Tichiziva Kuti Nguva Yapera
Tinoda kugara tichiyeuka kuti nguva yapera, uye zvinokosha kuti tidaro kuti tipone pachaguma nyika ino. Kufunga nezvezviyeuchidzo zvinotevera kunotipa simba rekushanda tichiziva kuti nguva yapera.
Ramba uchinyengetera nezveUmambo.—Mat. 6:10.
Verenga Bhaibheri zuva nezuva kuti uchengetedze mwoyo wako.—VaH. 3:12.
Shandisa nguva yako nekuchenjerera.—VaEf. 5:15, 16; VaF. 1:10.
Ramba uine ziso “rakanaka.” Usatsauswa nekuda zvinhu zvenyika.—Mat. 6:22, 25; 2 Tim. 4:10.
Kuti urambe wakarinda, ramba uchicherechedza kuzadzika kweuprofita hwemuBhaibheri.—Mako 13:35-37.
Kuziva kuti nguva yapera kunoita kuti tishande nesimba rose pakuita basa iri richiri kuda kuitwa!—Joh. 4:34, 35.