Zviziviso
◼ Zvichagoverwa muna August: Ungano dzinofanira kugovera turakiti rejw.org. Ungano dzine ndima yakakura kana kuti dzine vanhu vakawanda dzinokurudzirwa kugovera maturakiti nokukurumidza kuti dzizivise nezvejw.org kuvanhu vakawanda. September naOctober: Magazini eNharireyomurindi neAwake! November naDecember: Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? kana kuti rimwe rematurakiti anotevera: Unoona Sei Bhaibheri?, Unoona Sei Ramangwana?, Chii Chinodiwa Kuti Mhuri Ifare?, Ndiani Chaizvo Ari Kutonga Nyika Yose?, Kutambura Kuchazombopera Here?, kana kuti Chokwadi Vakafa Vangararamazve Here?