RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/14 p. 4
  • Mharidzo Dzokuenzanisira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mharidzo Dzokuenzanisira
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Mashoko Akafanana
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Basa Ranyanya Kukuwandira Here?
    Mukai!—2014
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
km 8/14 p. 4

Mharidzo Dzokuenzanisira

Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga Muna September

“Vakawanda vanotenda kuti ngirozi dzinovabatsira. Ko imiwo munoti chii? [Rega apindure.] Ngirozi dzakasiyana nevanhu uye dzine simba. Asi munofunga kuti dzinotibatsira here? Bhaibheri rinotiudza kuti dzinotibatsira sei.” Muratidze mubvunzo wekutanga papeji 16 yeNharireyomurindi yaSeptember 1, mokurukura mashoko ari pasi pemubvunzo wekutanga, uye moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti mukurukure mubvunzo unotevera.

Nharireyomurindi September 1

“Munoonawo sokuti vanhu vaparadza nyika zvokusagadzirisika here? [Rega apindure.] Kunyange zvazvo vanhu vasingachagoni kuigadzirisa, Bhaibheri rinotaura kuti Mwari anogona uye anoda kuita izvozvo. Tine vimbiso iyi muPisarema 65:9. [Verenga.] Magazini ino inotsanangura kuti Mwari achagadzirisa sei nyika uye kuti tingawana sei zvikomborero zvaachaunza. Ndokusiiraiwo yenyu here kuti muverenge?”

Awake! September

“Vakawanda vanoona sekuti vari kuwanzirwa basa nevavanoshandira zvokuti vanoshaya kuti voita sei. Nyanzvi dzinotaura kuti kushanda zvakapfurikidza kunogona kukanganisa utano. Munofunga kuti mazano api angatibatsira panyaya iyi? [Rega apindure.] Onai zvinotaurwa neBhaibheri pano. [Verenga Muparidzi 4:6.] Magazini ino inotsanangura nzira ina dzinotibatsira kuona zvinonyanya kukosha uye zvatingaita kana tiine dambudziko rekushanda zvakapfurikidza.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe