Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naAugust 25, 2014.
Mashoko ari pana Revhitiko 18:3 anotibatsira sei kuti tidzivise mafungiro asina kunaka ezvakarurama nezvisina? (VaEf. 4:17-19) [July 7, w02 2/1 p. 29 ndima 4]
Murayiro uri pana Revhitiko 19:2 unotidzidzisei, uye nei tichifanira kushanda nesimba kuti tiuteerere? [July 7, w09 7/1 p. 9 ndima 5]
Zvairehwa nemutemo wekare wokuunganidza zvaisaririra zvinotidzidzisei mazuva ano? (Revh. 19:9, 10) [July 7, w06 6/15 map. 22-23 ndima 13]
Nei zvichigona kunzi mutemo we“ziso neziso” waisakurudzira vanhu kutsiva? (Revh. 24:19, 20) [July 14, w09 9/1 p. 22 ndima 3-4]
MuIsraeri aisabvumirwa kureva mubereko pachikwereti mumamiriro ezvinhu akaita sei, uye aibvumirwa kureva mubereko kana zvaita sei? (Revh. 25:35-37) [July 21, w04 5/15 p. 24 ndima 3]
Nei madzinza 12 aIsraeri ari iwo anonyanya kutaurwa asi ipo paiva nemadzinza 13? (Num. 1:49, 50) [July 28, w08 7/1 p. 21]
Tinodzidzei nezvekufungawo vakwegura kubva panhoroondo iri pana Numeri 8:25, 26 inotaura nezvebasa raifanira kuitwa nevaRevhi vese? [Aug. 11, w04 8/1 p. 25 ndima 1]
Pashure pokunge Jehovha aita zvishamiso zvokuvabudisa muIjipiti, nei vaIsraeri vakatanga kugunun’una, uye tinowana zvidzidzo zvipi zvinokosha panhoroondo iyi? (Num. 11:4-6) [Aug. 18, w95 3/1 p. 16 ndima 10]
Tinodzidzei kubva pane zvakaitwa naMosesi, pakatanga Eridhadhi naMedhadhi kuita sevaprofita? (Num. 11:27-29) [Aug. 18, w04 8/1 p. 26 ndima 4]
Ipfungwa ipi inokosha yatinogona kudzidza pamurayiro wakapiwa vaIsraeri wokuti “vagadzire masa pamipendero yenguo dzavo”? (Num. 15:37-39) [Aug. 25, w04 8/1 p. 26 ndima 7]