August Uchava Mwedzi Webasa Usingakanganwiki!
Pachagoverwa Turakiti Idzva Munyika Yose
1. Mushandirapamwe wei uchaitwa munyika yose Umambo pahunenge hwava kuda kusvitsa makore 100 kubva pahwakagadzwa?
1 Umambo hwaMwari hwava kuda kusvitsa makore 100 kubva pahwakagadzwa. Zvakakodzera zvikuru kuti tikudze Jehovha kuburikidza nekuita mushandirapamwe! Muna August tichaita mushandirapamwe wenyika yose wekugovera turakiti idzva rinoti, Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu? Turakiti racho rinokurudzira vaverengi kuti vatsvake mhinduro muBhaibheri uye rinotsanangura kuti jw.org ingavabatsira sei.
2. Zvii zvatingaitawo ‘pakushevedzera kwazvo tichirumbidza Jehovha’ muna August?
2 Kushevedzera Kwazvo Tichirumbidza: Kuti vaparidzi vakwanise kuwedzera ushumiri hwavo, pakaitwa urongwa hwokuti vose vanoda vaite upiyona hwebetsero muna August. Mumwedzi iwoyo, vaparidzi vakabhabhatidzwa vachabvumirwa kuita upiyona hwebetsero hwemaawa 30. Sezvo August aine misi yeChishanu, Mugovera, uye Svondo mishanu, vaparidzi vakawanda vanoshanda kana kuti vanoenda kuchikoro mukati mevhiki vachakwanisa kuita upiyona hwebetsero. Kana uine mudzidzi weBhaibheri ava kukwanisa kuva muparidzi kana kuti mwana anoda kuva muparidzi, ibva wataura nemurongi mudare revakuru. Zvingakurudzira zvikuru kana vakadaro vakabatana nesu sevaparidzi mumwedzi uyu unokosha! Kunyange zvazvo mapiyona enguva dzose akawanda achimboita zororo muna August pavanenge vasvitsa maawa avo epagore, vanogona kugadzirisa purogiramu dzavo kuti vaitewo mushandirapamwe uyu unokosha. Ino ndiyo nguva yokuti mhuri dzikurukure kuti dzichaitawo sei ‘pakushevedzera kwazvo tichirumbidza Jehovha’ muna August.—Ezra 3:11; Zvir. 15:22.
3. Zvii zvatiri kutarisira pamushandirapamwe unokosha watichava nawo?
3 Kunyange zvazvo takamboita mishandirapamwe yakafanana, tinovimba kuti wemuna August hauzokanganwiki. Tinogona here kusvitsa nhamba dzatanga tisati tambosvitsa dzemaawa, vaparidzi, uye mapiyona ebetsero muna August? Sezvatinenge tichipedzisa gore rebasa ra2014, tinoshuva kuti Jehovha akomborere basa revanhu vake pasi rose kuti mwedzi waAugust uve mwedzi usingakanganwiki!—Mat. 24:14.