Purogiramu Yevhiki yaJune 9
VHIKI INOTANGA NAJUNE 9
Rwiyo 24 Nemunyengetero
Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
cl chits. 8 ¶9-16 (30 min.)
Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: Revhitiko 1-5 (10 min.)
Nha. 1: Revhitiko 4:16-31 (4 min. zvichidzika)
Nha. 2: Ndivanaani Vanonzi “Vasande” muBhaibheri?—rs p. 406 ¶2–p. 407 ¶1 (5 min.)
Nha. 3: Vanhu Vanogona Kutaura Nehama Dzavo Dzakafa Here?—td 37C (5 min.)
Musangano Webasa:
15 min: Wakambozviedza Here? Kukurukurirana. Muchipa sehurukuro, taurai muchidimbu mashoko ari munyaya dzichangobva kubuda muUshumiri Hwedu hwoUmambo dzaiti: “Nzira Itsva Dzokuparidza Pachena” (km 7/13), “Kubatsira Vanenge Vasati Vava Kukwanisa Kudzidza Bhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei?” (km 12/13), uye “Kuva Nevaunogara Uchiendesera Magazini Kunobatsira Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri” (km 1/14). Kumbirai vateereri kuti vataure kuti vakabatsirwa sei nekushandisa mazano ari munyaya idzi.
15 min: “August Uchava Mwedzi Webasa Usingakanganwiki!” Mibvunzo nemhinduro zvinoitiswa nemutariri webasa. Kana ravapo, ipai vateereri turakiti idzva rine musoro unoti Ndekupi Kwatingawana Mhinduro Dzemibvunzo Mikuru Yeupenyu? mokurukura zviri paturakiti racho. Taurai urongwa hweungano hwekushanda ndima yese.
Rwiyo 107 Nemunyengetero