Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kubatsira Watinenge Tichishanda Naye
Nei Zvichikosha: Jesu aiziva kuti zvinokosha kuva nemumwe munhu patinoparidza. Saka paakatuma vadzidzi vake 70 kuti vanoparidza, akavatuma vari vaviri vaviri. (Ruka 10:1) Muparidzi anogona kutsigira mumwe wake paanenge aomerwa kana kuti asina chokwadi kuti angapindura sei saimba. (Mup. 4:9, 10) Anogona kuudzawo waanenge achishanda naye zvakaitika uye kumbomupawo mazano anomubatsira kuva muparidzi ane unyanzvi. (Zvir. 27:17) Anogonawo kumukurudzira nokutaura zvinovaka pavanenge vachibva pasuo vachienda pane rimwe.—VaF. 4:8.
Edza Izvi Mwedzi Uno:
Pashure pokushanda nemumwe muparidzi muushumiri, muudze zvaataura kana kuti zvaaita zvakubatsira.