Mharidzo Dzokuenzanisira
Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri Mugovera Wokutanga Muna September
“Makadini? Tiri kushanya kwenguva pfupi tichitaura nezvechimwe chinhu chakavimbika chinogona kubatsira vakaroorana kuti vabudirire muwanano dzavo. Munofunga kuti chii chinonyanya kuvhiringidza wanano?” [Rega apindure.] Muratidze peji 16 yeNharireyomurindi, yaSeptember 1, uye kurukurai mashoko ari pasi pemubvunzo wokutanga, moverenga rugwaro rumwe chete kana kupfuura pane aripo. Govera magazini acho, uye ronga kuzodzoka kuti muzokurukura mubvunzo unotevera.
Nharireyomurindi August 1
“Tiri kushanya pamusana pekuti vakawanda vari munzvimbo yedu vanonetseka kuti nei Mwari achibvumira kutambura kwakanyanya kudai. Makambozvifungawo here? [Rega apindure.] Zvinofadza kuti Bhaibheri rinovimbisa kuti kuchema uye kurwadziwa kuchapera. [Verenga Zvakazarurwa 21:4.] Magazini ino inoongorora zvikonzero zvishanu zviri kuita kuti vanhu vatambure zvakanyanya. Inoratidzawo zvinotaurwa neBhaibheri kuti Mwari achapedza sei kutambura.”
Awake! September
“Tauya kuti tizokurukura nezvezororo rakakurumbira rava kusvika reHalloween. Vamwe vakasarudza kusaripemberera, vachifunga nezvenyevero dzakadai seino iri muBhaibheri. [Verenga Revhitiko 19:31.] Vamwe vanhu havadaviri kuti kune midzimu isingaoneki uye vanoona Halloween sekungonakidzwa kusingakuvadzi. Munofungei nezvezororo iri? [Rega apindure.] Magazini ino inoratidza kwakabva Halloween.”