Simbisai Kutanga Zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera Wokutanga
Kutanga muna May 2011, vaparidzi vakakurudzirwa kuti vaedze kutanga zvidzidzo zveBhaibheri paMugovera wokutanga wemwedzi woga woga. Kuti tikwanise kuita izvi, takagadzirirwa chikamu chinogara chichibuda muNharireyomurindi yevoruzhinji chine musoro unoti, “Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa.” Saka, musangano webasa romumunda uchaitwa musi woMugovera wokutanga unofanira kuratidza kuti chikamu ichi chingashandiswa sei pakutanga zvidzidzo zveBhaibheri uye enzanisirai kuti zvingaitwa sei.
Vakuru vanogona kusarudza kuti mapoka ekuparidza aungane kwakasiyana musi uyu kana kuti vangasarudza kuti mapoka acho ose aungane paImba yoUmambo. Asi kana Imba yoUmambo ichishandiswa neungano dzakawanda, hapana ungano inofanira kuchinjira zuva iri rinokosha rokutanga zvidzidzo zveBhaibheri kune mumwe musi kuitira kuti ive nomusangano webasa seungano.