RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/13 p. 3
  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 8/13 p. 3

Kudzokorora Chikoro chaMwari Choushumiri

Mibvunzo inotevera ichakurukurwa paChikoro chaMwari Choushumiri muvhiki inotanga naAugust 26, 2013. Musi unenge uchikurukurwa pfungwa imwe neimwe waiswa kuitira kuti mugone kutsvakurudza panguva yamunenge muchigadzirira chikoro vhiki imwe neimwe.

1. Chidzidzo chipi chinokosha zvikuru chatinodzidza pana Mambo Herodhi nokubvuma kurumbidzwa uye kukudzwa zvisina kufanira nevanhu? (Mab. 12:21-23) [July 1, w08 5/15 p. 32 ndima 7]

2. VaKristu vechiduku vangabatsirwa sei nokuongorora uye kutevedzera muenzaniso waTimoti? (Mab. 16:1, 2) [July 8, w08 5/15 p. 32 ndima 10]

3. Pashure pekunge vanzwa Aporo ‘achitaura noushingi’ musinagogi yomuEfeso, Akwira naPrisira vakamubatsira sei norudo? (Mab. 18:24-26) [July 15, w10 6/15 p. 11 ndima 4]

4. Uchapupu hupi hwepaMagwaro hunobatsira Zvapupu zvaJehovha kuti zvishandise matare enyika kuitira kuti vachengetedze kodzero yavo yokuparidza? (Mab. 25:10-12) [July 22, bt p. 198 ndima 6]

5. Muapostora Pauro akaramba achishandisa nzira dzipi dzokuparidza paaiva musungwa muRoma, uye mazuva ano vashumiri vaJehovha vangatevedzera sei muenzaniso wake? (Mab. 28:17, 23, 30, 31) [July 29, bt p. 216 ndima 19-23]

6. Nei Bhaibheri richiti ungochani hunonyadzisa uye hunopesana nemasikirwo evanhu? (VaR. 1:26, 27) [Aug. 5, g 4/12 p. 28 ndima 7]

7. “Rudzikinuro rwakabhadharwa naKristu Jesu” muna 33 C.E. rwakafukidza sei “zvivi zvakaitika munguva yakapfuura” irwo rusati rwabhadharwa? (VaR. 3:24, 25) [Aug. 5, w08 6/15 p. 29 ndima 6]

8. Urongwa hupi hworudo hwakaitwa naJehovha panguva yatinenge tatarisana nemamiriro ezvinhu akaoma uye tisingachazivi chatinofanira kunyengeterera? (VaR. 8:26, 27) [Aug. 12, w08 6/15 p. 30 ndima 10]

9. Mashoko okuti “teverai nzira yokugamuchira vaeni zvakanaka” anorevei? (VaR. 12:13) [Aug. 19, w09 10/15 map. 5-6 ndima 12-13]

10. ‘Tinopfeka Ishe Jesu Kristu’ sei sezvatinokurudzirwa nomuapostora Pauro? (VaR. 13:14) [Aug. 26, w05 1/1 map. 11-12 ndima 20-22]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe