Purogiramu Yevhiki yaSeptember 2
VHIKI INOTANGA NASEPTEMBER 2
Rwiyo 47 Nemunyengetero
□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:
jr chits. 13 ¶20-26 (30 min.)
□ Chikoro chaMwari Choushumiri:
Kuverenga Bhaibheri: 1 VaKorinde 1-9 (10 min.)
Nha. 1: 1 VaKorinde 4:18–5:13 (Maminitsi 4 zvichidzika)
Nha. 2: Munhu Paanonzwa Akajairana Nevanhu Vatsva Nenzvimbo Itsva Zvinoratidza Here Kuti Akaberekwazve?—rs p. 168 ¶1–p. 169 ¶2 (5 min.)
Nha. 3: Chii Chinoita Kuti vaKristu Varambe Vachifara Pasinei Nourwere—VaF. 4:6, 7 (5 min.)
□ Musangano Webasa:
10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna September. Kukurukurirana. Kwemasekonzi 30 kusvika kuminiti imwe chete taurai kuti zvii zvichaita kuti magazini acho afarirwe nevanhu mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya iri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo neAwake!, uye kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.
10 min: Zvomuungano yenyu.
10 min: Tevedzerai Muenzaniso waBhanabhasi. Kukurukurirana. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti kutevedzera muenzaniso waBhanabhasi kungatibatsira sei sevaparidzi.
Rwiyo 65 Nemunyengetero