RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/13 p. 2
  • Shoko raMwari Rine Simba

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Shoko raMwari Rine Simba
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Mashoko Akafanana
  • Purogiramu Yezuva Regungano Chairo ya2010
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
  • ‘Zvokudya Panguva Yakakodzera’
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Purogiramu Itsva Yezuva Regungano Chairo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 8/13 p. 2

Shoko raMwari Rine Simba

1. Gungano rezuva rimwe chete regore rebasa ra2014 rine musoro wokuti chii?

1 Kusiyana nezvose zvingadzidziswa nevanhu vane zvivi, Bhaibheri rine simba rokutichinja, richiita kuti mafungiro nemararamiro edu zvienderane nezvinodiwa naJehovha. Shoko raMwari rine simba zvakadini? Tingaita sei kuti simba raro rinyatsoshanda muupenyu hwedu? Tingarishandisa sei zvinobudirira kuti tibatsire vamwe? Tinovimba kuti tose tichasimbiswa pakunamata pachakurukurwa pfungwa idzi pagungano rezuva rimwe chete regore rebasa ra2014. Musoro waro wokuti “Shoko raMwari Rine Simba,” unobva pana VaHebheru 4:12.

2. Tinofanira kuteerera mhinduro dzemibvunzo ipi?

2 Wana Mhinduro Dzemibvunzo Iyi: Paunenge uchiteerera pagungano, wana mhinduro dzemibvunzo inotevera.

• Nei tichifanira kuvimba neShoko raJehovha? (Pis. 29:4)

• Tingaitei kuti Shoko raMwari rishande muupenyu hwedu? (Pis. 34:8)

• Ungaratidza sei kuti Shoko raMwari rine simba muushumiri hwako? (2 Tim. 3:16, 17)

• Tingaita sei kuti tisatsauswa nesimba rinonyengera renyika yaSatani? (1 Joh. 5:19)

• Sewechiduku, ungaitei uti ukure pakunamata? (Jer. 17:7)

• Tingava sei vakasimba kunyange paya patinenge tisina simba? (2 VaK. 12:10)

• Chii chinotibatsira kuti tirambe tichichinja muupenyu hwedu, kunyange kana tiine unhu hwakaipa hwava nenguva refu? (VaEf. 4:23)

3. Kuwedzera pakuteerera pagungano, ndezvipi zvimwe zvatinobatsirwa nazvo pagungano rezuva rimwe chete?

3 Tichabatsirwa zvikuru nokuteerera mashoko aya anokosha! Sezvinongoita magungano edunhu neeruwa, gungano rezuva rimwe chete richatipawo mukana wokuwedzera shamwari uye kunakidzwa nekushamwaridzana nehama nehanzvadzi dzisiri dzomuungano yedu. (Pis. 133:1-3; 2 VaK. 6:11-13) Saka zvipewo mukana wokushamwaridzana neshamwari dzako dzekare uye wokutsvaka shamwari itsva. Kana pakauya mukurukuri anoshanya akadai semutariri weruwa kana kuti hama inobva kuBheteri, wadii kushandisa mukana wacho kuti umukwazise iye nemudzimai wake? Zvechokwadi, tine zvikonzero zvakawanda zvokutarisira gungano rezuva rimwe chete riri kuuya!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe