RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 7/13 p. 8
  • Purogiramu Yevhiki yaAugust 5

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yevhiki yaAugust 5
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Misoro Midiki
  • VHIKI INOTANGA NAAUGUST 5
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
km 7/13 p. 8

Purogiramu Yevhiki yaAugust 5

VHIKI INOTANGA NAAUGUST 5

Rwiyo 77 Nemunyengetero

□ Chidzidzo cheBhaibheri Cheungano:

jr chits. 12 ¶20-25, bhokisi riri papeji 151 (30 min.)

□ Chikoro chaMwari Choushumiri:

Kuverenga Bhaibheri: VaRoma 1-4 (10 min.)

Nha. 1: VaRoma 3:21–4:8 (Maminitsi 4 zvichidzika)

Nha. 2: Sei vaKristu Vechokwadi Vachizviona “Sevatorwa Uye Vagari Venguva Duku” Munyika Ino?—1 Pet. 2:11; 1 Joh. 2:15-17 (5 min.)

Nha. 3: VaKristu Vechokwadi Vachachengetedzwa Sei Munguva Yokutambudzika Kukuru?—rs p. 186 ¶2-6 (5 min.)

□ Musangano Webasa:

Rwiyo 79

10 min: Mazano Okugovera Magazini Muna August. Kukurukurirana. Kwemasekonzi 30 kusvika kuminiti imwe chete taurai kuti zvii zvichaita kuti magazini acho afarirwe nevanhu mundima yenyu. Zvadaro, muchishandisa nyaya iri pakavha yeNharireyomurindi, kumbirai vateereri kuti vataure mubvunzo nerugwaro rwavachaverenga zvichaita kuti vanhu vafarire. Itai zvimwe chetezvo neAwake!, uye kana nguva ichiripo, shandisai imwewo nyaya iri mune imwe yemagazini acho. Enzanisirai kuti magazini imwe neimwe ingagoverwa sei.

10 min: Zvomuungano yenyu.

10 min: Wakagadzirira Here Kuvhurwa Kwezvikoro? Kukurukurirana. Kumbirai vateereri kuti vataure matambudziko anowanzosangana nevaKristu vechiduku kuchikoro. Tsanangurai kuti vabereki vangashandisa sei bhuku rinonzi Index, mabhuku aVechiduku Vanobvunza Kuti, nzvimbo yedu yokubudisira mashoko paIndaneti nezvimwewo zvinobudiswa nesangano pakunamata kwemhuri vachibatsira vana vavo kuti vagadzirire miedzo yavachasangana nayo kuchikoro. (1 Pet. 3:15) Sarudzai nyaya imwe kana kuti mbiri, mobva mataura mamwe mashoko anobatsira anowanikwa mumabhuku edu. Kumbirai vateereri kuti vataure kuti zvii zvavakaita kuti vaparidzire pavaiva kuchikoro.

Rwiyo 119 Nemunyengetero

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe